Would You Still Love Me Chapter 15
Chapter Fifteen
Rufaro
Ndichinzwa achishaidzwa nemutupo ndakaita kupererwa..Ko ini ndaizivei hangu worse apa ndaisatoziva mutupo wake Andrea wacho..Iye haana kumupa akangoti no thanks babe ndokubva rasvava ndakatombosekerera nechemumoyo..
Takasvikomhoresa vanhu nekubva tagara hedu pasi chaipo...Vakabvunzana upenyu natete ini ndainge ndakangotsikitsira chete
''Eeeh muchiona tauya kudai ndauya nemusikana uyu..Aifambidzana naAndrea vakasvika pakuitisana pamuviri..Zvino ndatumwa nemwana hanzi ngaanogara kune muridzi wepamuviri ndiko kusaka maona tauya kudai.."
"Zvino ka munhu wamaunzira mukadzi ane mukadzi zvekare hameno kuti muri kuda kuti paitwe sei.."
"Ipapo handizozivi...Hanzi aita twake ndi hombarume..Ini mukadzi ndiri kusiya pano nekuti vabereki vake vari kutopenga kuti vatambisirwa mwana wavo.."
"Iye munhu dzidzawo kuvhara makumbo..Sure mukore uno ototi ndamitiswa iko kune...,"
"Mai Andre..," said his father vakabva vagumira munzira "ndoda munhu anozvidzoreredza mashoko anobuda mumuromo make kana achitaura mune vanhu aiwa ndatopedza newe soo....Tête maita basa chaizvo sezvo muridzi ari kubvuma mhosva yake aiwa hapana chakaipa anosara hake muroora tozogadzirisawo zvinhu pamberi apo..Zvino zvakwadoka kudai motorara mofuma muchienda mangwana.. Iwe Abigail mwanangu sezvo wauya uchichema chema uchiti Andrea akuramba wotongodzokera kumba kwenyu chikonzero chaita arambe anga achiziva nyaya dzake...Hatidi zvinozonetsa panapa saka mangwana wobuda.."
"Aiwa baAndr..."
"Kana usina zvekutaura usingandipikise bva nyarara hakozve nhai Mai Andrea hatisi kuda kutemesana musoro nhando pano apa.."
Mai "Kana kuti nhasi ndiri kufanira kunorara kuHarare pana business partner wandiri kufanira kusangana naye...Saka Abie mwanangu gadzirira ndonokusiya kumba kwenyu...As you can see Andrea ava nemukadzi.."
"Ehoyi baba," said the girl akandipa ziso raitaura zvakawanda...Mai vacho ndaiona ziso ravaindipa kuti I wasn't welcomed at all...Raiva gehena randainge ndazvitangira ndega...
"Mai Andrea ini ndakubuda muite kuti vaenzi vawane pekurara kana ndasvika ndokufonera...Ana tete masvika ndine rwendo mazuva mazhinji tichaonana...musha ndiwowu sunungukai henyu.."
"Aiwa tinotenda.."
Vakatakurana naAbigail wacho vakaenda sare isu apa maiva nerunyararo
vacho vakasimuka zvikanzi naAndrea..
"Tete huyai ndikuratidzei mekurara ini ndakatoneta ndiri kuda kumbozorora"
He showed tete mekurara tikasara tiri two manje..
"I'm sorry babe about my mom..I nyaya yekuti she liked Abigail don't worry she will come around... Hande kunorara..," he took my hand achindibatsira kusimuka...Before I knew his intention akandisimudza bridal style takuenda kuroom kwedu...I was giggling Mhamha vakangobudikira vachibva varidza tsamwa vachivhara door ravo..
"Don't mind her.."
Akasvikondikandira pabed and I took my time ndichitarisa room yacho.. It was a very nice room apa painge pane mapant echikadzi nemabraa..
I just looked at him akangizvitora akanoisa Mu washen basket..
"Welcome home mukadzi wangu this is our room.""it's nice."
He unbuttoned my top ndikamumisa
"No Andrea I need to freshen up first.."
"No that can wait I can't..."
"Moyo kani mirai I'm sweating.."
"Okay hande tese "
"No ndinonyara."
"Uri kufanira kutojaira babe hande...,' aitondizvuva kana kumurambira ndakatadza..I undressed so slowly ndakatarisa kuside iye anga atobvisa hembe dzese kana kunyara nhaimi..
" nhai mai Moyo ini ndakangomirira ndiri kuda kutogezwawo nemi kaini.."
"Aaa munhu ngaageze ega.. "
"Dziri kunetsa kubvisa here hembe ndikubatsirei?"
"No thanks.."
"Chikurumidzai simba randasara naro nderekungokugezai ."
I undressed ndikaramba ndakangomira..Ndakadhonzerwa pashower apa I was avoiding eye contact plus kutomutarisa iye wacho..
"Kamunyariro kako ka aka kkk kwaperaka kungwara ngwara kwese ."
Akavhurira mvura mbichana akandimisa pamberi pake....the moment our skin came into contact my body reacted hana yangu yanga yakuita kurova zvine pucnh...He took soap akazorera mumaoko make...Slowly he used his hands kuisa sipo on my body taking his time...Zvaaiita aitozviitira manyemwe aiita achinditarisa kuface smiling..
"Andrea.."
"Mmm."
"Uri kuitei."
"I'm bathing you mai Moyo.."
"Zvakwana."
"No hausati wachena."
"Ukundibaya."
"That's what you make me feel."
Afterwards it was my turn kumugeza akapedzesera aita ega because ndaiti ndikabata sipo ndosiya ndobata chino ndosiya kuri kunyara...We finished bathing and did nothing mubathroom..Nyaya yakazouya tava Mu bedroom... He did wonders to my body and we made love...It felt so good ndakanzwa kadeep connection.. Kana hope dzakauya pasina kana kuvhumuka ndiri mumaarms aMoyo..."
Mweya yetsvina zvainoitawo ndakanonoka kumuka ndikamuka kumato..7 only to find amwene vapedza zvese ndakanyara ndichishaya kuziva kuti ndoita chii..Apa tete vaitogezawo time dzacho ndakabva ndaenda kunovamukisa
"Asi ndararisa?"
"Kkkk ndavanzwa na4 vachigwedebudza..Motosimba mai mwana ndimi makazvida mega izvi...motosimba kumuka ini ndati kana handingambomuka ngavaite..Ndatopedza ndakuenda soo...Chero vasingakude vade nemoyo wese...Vakakutuka usadzorera nyarara..Chero ukavamhoresa vakasadaira keep on greeting her it's your duty....Love her because vakakuzvarira murume...Wanzwa?"
"Ehe."
"Good takura kabag kangu ndoda kukurumidza kusvika bamukuru vako vari kusvika nhasi saka kuchikoro uchaita sei?"
"Hameno ndonyaya iri kutondipa stress soo.."
"Tichaona mai vako vakatsamwa vanga vatouya kumba ndazovaudza kuti handina kudzoka..Ufone tinenge tichitaura pa phone."
"I'm feeling like mandirasa."
"Ndozvazvinoita muchiri kutanga otosimba mwana we hanzvadzi.."
Takabuda vakaoneka Mama vakatodaira zvakanaka naka ndikati at least zviri naniwo..Andrea anga aripowo takavakwidza vakabva vaenda tikananaidzana tichidzokera kumba..Takasvika mama vatobika breakfast iri patable.
Munoziva unonyara kana kudya kwacho pasina kana chawaita...Ndakapfuurira ndakabva ndanzwa
"Saka mukadzi wako haadye zvandabika ari kuti ndinomuroya kana kumuisira mushonga muchikafu here ini?"
"Ayewa Mhamha ari kuuya."
"Achimboendepi?"
"Mhamha please musoro wangu uri kutotema.."
Ndakadikitira when I closed the door behind me ndikaritsamira..I gave a deep sigh ndikanogeza kumeso..I went back ndaisada kuti kuti vandifungire zvisirizvo..
"Mamukasei Mhamha "
"Ndamuka ndimi henyu munodai kumuka zuva rakwira makata sekuti makagarika henyu."
"Ruregerero Mhamha ndararisa.."
"Inwai tea iyo chimwe chamungaita kunze kwekudya chii."
Ndakashaya kana zvekupindura munhu haana kwake sure..Andrea was quiet haana kada kudaira aingonwa tea..
"Ndaichinzwa chichiita kurwadza kumedza chingwa pahuro apa munoziva kumedza kweshungu kuya..I almost shed tears ndichifunga kuti for how long I was going to live like this..Ndakadya one piece chete ndikabva ndatosiya..
"Hapana zvandaisa mwanangu ndatobika nemoyo une rudo ufunge."
"Maita basa mhamha ndaguta."
I took ma empty plates ndikabva ndaenda kukitchen..At least ndanga ndawana zvekuita ndaito feela out of place... I was about to start washing pandakanzwa..
"Andrea ndati mukadzi wako handisi kumuda pano wazvinzwa?"
"Mhamha akuita sei nhai munhu akauya nezuro?"
"Muroora wangu ndi Abigail.. Kuuya kwawakaita naye it meant ndiye waunoda..iro hure rako rawakamitisana naro ndati noo...uda kundikwidza bp iwewe?? Heee?Zvandataura wazvinzwa ndati mukadzi wako no.."
"Mhamha musadaro ndopfugama hangu.."
"Simuka simuka chero ukadaro I will not change my mind...Ndakakutakura in my womb for nine good months..If you want to see my smiling face everyday and make me proud of you marry Abigail.. Ndatopedza newe so..."
Ndakabva ndagara pastool ndakunzwa kuda kuchema...What a miserable life I had ahead of me...
End of chapter 15
Related Topics
Kutundisa mukadzi kunomboitwa sei?