My House Girl My Crush
Chapter 1
Mike ....
Ndairidza hangu kamhanzi kaive pasi pasi ndiri mubedroom mangu ndichinzwa midziyo ichigwedebudzwa mukitchen.
Ndaifarira dzaSystem Tazvida, apa kairohwa kaya kainzi "mwana uya ndichatoedzerwa ndiinaye....."
Moyo wangu wakatsva ndichigaya kuti shuwa madam vangu vavafungei kundisiira miedzo usina kundiso. Shuwa vangandisiira svusvurakwaedza mhonzi yechingwa yakadaro kuti ndidii.kuwana 1 week yopera pane Paine chakanaka ipapa hameno regai ndimboona.
Musi uyu ndainge ndakurumidza kubva kubasa ndichiti nhasi madam vasipo kudai ndombonomwira mwira ndowana zvivindi zvekukanda shoko. Ko munhu wacho aisajairika zvekudarozve.
Pandakasvika pamba ndakangovhurirwa gedhe na Joe ndokunopaka mota yangu mugarage. Hand in a kuda kupinda nedoor rekugate ndakati regai ndipote kuseri. pandakasvika kuseri ndakaona shasha iri busy newasheni.
Veduwee ndakaoma mate mukanwa nezvandakaona dhirezi raive rakakwirira zvekuti ndaitoona kawhite kaive mukati. Apa gumbo racho rainge rakati mbuu kuchena . Ndakatozozvidzora ndoda kungosvikombundira ndokuzogaya kuti hazvisati zvave zvangu. Ndakazvituka nekunonoka kusvitsa shoko. Iyo shasha kana kumbondiona yaitoimbirira zvayo ichirova basa.
Ndakambocheuka kuti Joe aivepi uye ndakanzwa godo kuti kana azviona anogona kungondirovera zvinhu ndakangoti vavava. Ko handiti vanoswera vachingove vaviri pamba.Ndakaona kuti ndaitofanirwa kuita zvekukasika ndisati ndadyirwa nemaboorangoma. Ko tumahousegirl twunombobhaizazve.
Ndakazongomumhoresa achibva avhunduka kunge achawira mudish.
Me : hesi Beauty
Her : ma ma..maswerasei baba
Me. : ndaswera waswerawo ko wavhundukei, hindava kuwacha husiku waswera uchiitei?
Her : ndandisina kuona kuti kune munhu . Hembe dzacho dzadzakawanda saka ndanonoka kupedza.
Me : ko kana uchiwacha unodii kumonera something hauoni kuti unoisa vana Joe pamuedzo , mozotanga kuti hee ndazorepwa zvazenge zvazodai.
Her : sorii baba
Me : ah haisi mhosva hayozve kungoitirawo for your own safety especially tisipo muchingove vaviri ndiani angazokununura ukapinda mukanwa meshumba.Tiripo unogona kupfeka zvaunoda cz zvikaipa tobata.
Ndakaona angomira apererwa ndichibva ndapinda mumba .Zvandainge ndave kunzwa ndaitadza kana kuzvi controller . Dai akatarisa pabhurugwa aiona mashura nekuti dic ainge aita kuzvimbirwa. Dai mai Shantie aivepo ndakamupedzera shungu zvino zvaaive asipo raitove dambudziko chairo.
Ndakapinda mubedroom ndokuita hwebete ratumwa kumukaka. Kana kubhawa kwandaiti ndichaenda handina. Ndaitya kusangana na Beauty coz ndaitozorara ndave kuchitokisi nezvandainzwa.
Kwave kuma 7 ndakanzwa nock padoor. Ndakaenda padoor kungonovhura so wanei svusvurandadya iya yakamirapo. Apa ainge ageza kahutsvuku kaya kanyatsoti bhaa.
Her : ndauya nesadza.
Me : wazvinetserei ndaizongouya ndodya .
Her : handina kuzviziva uye ndandoda kunorara
Me : ah kurara kuchakachena so.
Her : ahh kurikubhohwa uku ndega ndega.
Ndakamboda kumuti saka ndiuye titandare ndikazeza. Ndakazomuudza kuti akiye door rake kana akurara. Ndaisada miedzo ini . Ndaitya kuzoita mararo ndikazomuka ndave muroom make.
Ndakadya sadza ndokurara hangu ndichiteerera music . Ndakazobiwa nehope ndokupepukakuma 12 padoor pachinokewa zvinyoro nyoro......
End of chapter 1