My House Girl My Crush Chapter 2

Beauty.... Pamba pandaishanda papasimbori free kwandiri. Baba vacho vaiongororesa uye kutaurisa. Kakutsiura tsiura vainyanya. Ndaizongoshingirira

My House Girl My Crush Chapter 2


Chapter  2



Beauty....

Pamba pandaishanda papasimbori free kwandiri. Baba vacho vaiongororesa uye kutaurisa. Kakutsiura tsiura vainyanya. Ndaizongoshingirira hangu coz madam vaive munhu aive boe zvekuti uye vaive vekumusha kwedu kwachivi.



Chero pavakauya kumba vachiti vanoda munhu webasa mhamha vangu Havana kumbokakama nekuti aive munhu Ari right chaizvo.


Ndakange ndave nemwedzi miviri ndiri pamba apa . Mari yangu ndaipihwa zvakanaka uye nenguva.Problem yaingove yababa Shantie matarisiro avaindiita so ndaisaanzwisisa. Kuti nditi izisa reruvengo or chii ndaizvishayira pazvo ini.


Rimwe zuva mhamha vakazoti  vavekuenda kumusha for a week. Ndaivati hangu mhamha but vaive vechidiki, mazera ana sisi vangu chaiwo. Kungoti vairamba kuti ndivati sisi.


Pavakataura zvekuenda kumusha Ndakambovhunduka asi vakati ndisaware coz ba Shantie vaivepo.Uye vakandivimbisa kuti ndisavatyira nekuti hapana chakaipa chavaizondiita. Vakandiudza kuti vainge vambogara nema maids akawanda but hapana kumboita problem.


Ndakangobvuma zvangu but zvazvakaoma . Ndaisanzwa kusununguka . But hapana hapo zvandaizviita coz handairamba basa nekuti ndasiiwa ndega.


Musi wavaenda ndakasara ndega pamba. Masikati ese ndakangoswera as usual  coz ndosingoswera ndega mai Shantie naba Shantie vari kumabasa Shantie ari kuchikoro .


Dzave kuma past 3 baba Shantie vakadzoka. Ndakashamisika kuti vakakurumidza nei kudzoka musi uyu coz vaisiuya kuma around 6.


Ndakangozoti pamwe vaitira kuti mai Shantie havapo. Ndakafungira kuti pamwe vaindigayira kuti ndingazoite misikanzwa. Manje dai vaiziva kuti handisi type iyoyo vaisazvinetsa.Chero Joe wandaishanda naye akamboda kundijairira ndikamuudza rekufuka nerekuwarira. Kubva ipapo aive ave kunditi sisi Beauty. Anyway ndakangoti hameno ndovanoziva chavadzokera ndingatii hangu.



Pavakasvika vakatanga zvavo zvekutsiura tsiura hanzi hee wacha wakamonera something. Ndakangobvumira hangu ko ndaigotii.


Vakangoenda mubedroom mavo ndiye zii .Ndakabika sadza ndikaisa patable asi hapana akauya. Ndakazoriisa muwarmer ndikatanga kutsvaira tsvaira asi kana munhu akauya. Ndakabvisa washen panze ndokuzogaya kunorara hangu.



Ndakazofunga kuti ndikarara ndisina kuvapa sadza yaizoita nyaya mangwana. Ndakazofunga kunovapa ikoko sadza racho. Ndakaenda naro but ziso ravaindipa raityisa . Ndakazobva ndokuenda kunorara zvangu. 


Dzave kuma around 12   ndakanzwa nock pa window . Hana yangu yakarova veduwee. Ndakadongorera ndokuona ari Joe . 


Me : chii nhai Joe kwakanaka here


Him : eh kuriboe boss havana kukiya mota yavo uye garage vasiya rakashama ndambosiya ndichiti pamwe vavachida kubuda manje ndatozobatwa nehope ndokutozopepuka izvozvi zvakangodaro.


Me : endaka pahwindo pavo uvaudze 


Him : vaudzei imimi sisi Beu pangu ndatopedza ini.



Moziva ndakapererwa so. Ndinonokera munhu kuma12 kuti zvadii but ndainge ndisina option ,ndakazongononocker hangu. Vakavhura  door ziso rakaita kutsvuka nehope . kuzovati baa wanei vane pant roga ndakamhanya ndakananga kuroom kwangu lunge ndixhatyoka makumbo..



End of chapter 2


Related Topics

Kutundisa mukadzi kunomboitwa sei?

My house girl my crush Full

Would you still love me 1-20

Getting Info...

Post a Comment

Cookie Consent
We serve cookies on this site to analyze traffic, remember your preferences, and optimize your experience.
Oops!
It seems there is something wrong with your internet connection. Please connect to the internet and start browsing again.
AdBlock Detected!
We have detected that you are using adblocking plugin in your browser.
The revenue we earn by the advertisements is used to manage this website, we request you to whitelist our website in your adblocking plugin.